Mark 9

Kubwinya kwaJesu pagomo

1Zvino wakati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vamwe varipo kune vamire pano, vasingazoraviri rufu, kusvikira vaona ushe hwaMwari huchiuya nesimba.

2Zvino shure kwemazuva matanhatu, Jesu akatora Petro, naJakobho, naJohwani, akavatungamidza mugomo refu, pachavo vari vega; akashandurwa chimiro pamberi pavo. 3Zvipfeko zvake zvikapenya, zvikachenesesa zvikuru semagada echando; hakuna musuki panyika, angagona kuzvichenesa zvikadaro. 4Zvino kwakaonekwa kwavari Eria naMozisi, uye vaitaurirana naJesu. 5Petro akapindura akati kuna Jesu: Rabhi*, zvakanaka kuti tiri pano; ngativake matende matatu, rimwe renyu, uye rimwe raMozisi, uye rimwe raEria. 6Nokuti wakange asingazivi chekutaura; nokuti vaitya zvikuru. 7Zvino kwakava negore rakavadzikatira, inzwi rikabuda mugore, richiti: Uyu Mwanakomana wangu anodikanwa, inzwai iye. 8Kamwe-kamwe, vakati varinga-ringa, havana kuzochaona munhu, asi Jesu chete anavo.

9Zvino vakati vachiburuka mugomo, akavaraira kuti varege kuudza munhu zvavakange vaona kusvikira Mwanakomana wemunhu amuka kubva kuvakafa.

10Vakachengeta shoko iro mukati mavo, vachibvunzana kuti kumuka kwevakafa chii.

11Vakamubvunza, vachiti: Vanyori vanoreverei kuti Eria anofanira kutanga kuuya? 12Akapindura, akati kwavari: Eria zvirokwazvo anotanga kuuya, avandudze zvinhu zvese; kwakagonyorwa sei zveMwanakomana wemunhu, kuti achatambudzika zvinhu zvizhinji nekuzvidzwa? 13Asi ndinoreva kwamuri kuti Eriawo wakasvika, vakamuitira zvese zvavaida, sezvazvakanyorwa pamusoro pake.

Jesu anoporesa mukomana ane zvipusha

14Zvino wakati asvika kuvadzidzi, akaona chaunga chikuru chakavakomba, nevanyori vachipikisana navo. 15Pakarepo chaunga chese chakati chichimuona chikashamisika zvikuru, ndokumumhanyira, chikamukwazisa. 16Akabvunza vanyori akati: Munopikisanei navo? 17Umwe wechaunga akapindura akati: Mudzidzisi, ndauisa kwamuri mwanakomana wangu, ane mweya wechimumumu; 18pangava papi paunomubata, unomubvambura; opupuma furo, nekugeda-geda meno ake, uye anooma; zvino ndakataura nevadzidzi venyu kuti vaubudise, vakasagona. 19Akamupindura akati: Haiwa zera risina rutendo, ndichava nemwi kusvikira rinhi? Ndichakuitirai moyo murefu kusvikira rinhi? Muuyisei kwandiri. 20Vakamuuisa kwaari; wakati achimuona, pakarepo mweya ukamubvambura; akawira pasi, akaumburuka achipupuma furo. 21Ndokubva abvunza baba vake akati: Yava nguva yakadini kubvira izvozvi zvichiitika kwaari? Akati: Kubva paupwere. 22Kazhinji wakamuwisira nemumoto nemumvura, kuti umuparadze; asi kana muchigona kuita chinhu, mutinzwire tsitsi, mutibatsire. 23Jesu ndokuti kwaari: Kana uchigona kutenda, zvinhu zvese zvinogoneka kune anotenda. 24Uye pakarepo baba vemwana vakadanidzira nemisodzi vakati: Ndinotenda, Ishe, batsirai pakusatenda kwangu. 25Jesu wakati achiona kuti chaunga chinouya chichimhanyirana, akatsiura mweya wetsina, akati kwauri: Iwe, mweya wechimumumu nematsi, ini ndinokuraira: Buda maari, urege kupindazve maari. 26Zvino mweya ukadanidzira, ukamubvundisa zvikuru ukabuda; akaita sewakafa, nokudaro vazhinji vakati: Wafa. 27Asi Jesu wakabata ruoko rwake akamusimudza; akasimuka.

28Zvino wakati apinda mumba, vadzidzi vake vakamubvunza vari vega vachiti: Sei isu takange tisingagoni kuubudisa? 29Ndokubva ati kwavari: Zera iri harigoni kubuda nechinhu, kunze nekunyengetera nekutsanya.

Jesu anotaura zverufu rwake nekumuka kwake

30Vakabva ipapo, vakagura neGarirea, akange asingadi kuti chero ani azvizive. 31Nokuti aidzidzisa vadzidzi vake, achiti kwavari: Mwanakomana wemunhu achakumikidzwa mumaoko evanhu, uye vachamuuraya; kana aurawa achamuka nezuva retatu. 32Asi havana kunzwisisa shoko iro, vachitya kumubvunza.

Mukuru paushe hwekudenga, nezvigumbuso

33Zvino wakasvika muKapenaume; akati ava mumba, akavabvunza, achiti: Manga muchikakavadzana chii munzira? 34Asi vakanyarara, nokuti munzira vakange vakakavadzana kuti mukurusa ndiani. 35Zvino akagara pasi, akadana vanegumi nevaviri, akati kwavari: Kana munhu achida kuva wekutanga, achava wekupedzisira kune vese nemushandi wevese. 36Ndokutora mucheche, akamumisa pakati pavo; akati amugumbatira, akati kwavari: 37Ani nani anogamuchira umwe wevacheche vakadai muzita rangu, anogamuchira ini; uye ani nani anogamuchira ini, haagamuchiri ini, asi uyo wakandituma.

38Zvino Johwani akamupindura, achiti: Mudzidzisi, takaona umwe asingatiteveri achibudisa madhimoni muzita renyu; tikamudzivisa, nokuti haana kutitevera. 39Asi Jesu wakati: Musamudzivisa, nokuti hakuna munhu angaita basa resimba muzita rangu, anogona kukurumidza kutaura zvakaipa pamusoro pangu. 40Nokuti asingapikisani nesu, ndewedu.

41Nokuti ani nani anokupai mukombe wemvura kuti munwe muzita rangu, nokuti muri vaKristu, zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Haangamborasikirwi nemubairo wake.

42Uye ani nani anogumbusa umwe wevadiki ava vanotenda kwandiri, zviri nani kwaari kuti guyo guru risungirirwe kupoteredza pamutsipa wake, akandirwe mugungwa. 43Uye kana ruoko rwako ruchikugumbusa, rugure; zviri nani kwauri kupinda muupenyu uri chirema, pane kuti une maoko maviri uende mugehena, mumoto usingadzimiki, 44apo pasingafi honye yavo, nemoto usingadzimi. 45Uye kana rutsoka rwako ruchikugumbusa, rugure; zviri nani kwauri kupinda muupenyu uchikamhina, pane kuti une tsoka mbiri ukandirwe mugehena, mumoto usingadzimiki, 46apo pasingafi honye yavo, nemoto usingadzimi. 47Zvino kana ziso rako richikugumbusa, ridzure; zviri nani kwauri kupinda muushe hwaMwari une ziso rimwe, pakuti une maziso maviri, ukandirwe mugehena remoto, 48apo pasingafi honye yavo, nemoto usingadzimi.

49Nokuti wese acharungwa nemoto uye chibairo chese chicharungwa nemunyu. 50Munyu wakanaka; asi kana munyu warasa kuvava, mungaurunga nei? Ivai nemunyu mamuri, mugarisane nerugare.

Copyright information for Shona